Pais
Deus é nosso Pai celestial — amoroso, provedor, disciplinador e fiel. As Escrituras também honram os pais terrenos e os chamam a criar os filhos na instrução do Senhor.
O Pai celestial
Deus é Pai de misericórdias. Ele nos adotou como filhos, nos ama incondicionalmente e cuida de cada detalhe da nossa vida.
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, "Abha, Baba." Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.
Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,
Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu,
Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo,
saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo,
saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
nokuti anoziva kuti takaumbwa sei,
anorangarira kuti tiri guruva.
Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi,
ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu.
Isu tiri ivhu, imi muri muumbi;
isu tose tiri basa ramaoko enyu.
Asi muri Baba vedu,
kunyange Abhurahama asingatizivi
kana naIsraeri asingatiziviwo;
imi, Jehovha, ndimi Baba vedu,
Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.
Nokuti takazvarirwa mwana,
takapiwa mwanakomana,
uye umambo huchava pamapfudzi ake.
Uye achanzi Gota Rinoshamisa,
Mwari Ane Simba,
Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.
Nokuti takazvarirwa mwana,
takapiwa mwanakomana,
uye umambo huchava pamapfudzi ake.
Uye achanzi Gota Rinoshamisa,
Mwari Ane Simba,
Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.
O cuidado paterno de Deus
O Pai celestial sabe do que precisamos antes de pedirmos. Ele dá boas dádivas aos filhos que pedem e cuida até dos passarinhos.
Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?
Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.
Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu, kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.
"Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove? Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here? Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!"
"Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?
Conhecer o Pai
Jesus é o caminho para o Pai. Ninguém conhece o Pai senão o Filho e aquele a quem o Filho quiser revelar.
Jesu akapindura akati, "Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.
Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa.
Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari."
Jesu akapindura akati, "Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.
Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.
Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu. Ini naBaba tiri vamwe."
"Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
"Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.
"Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga.
Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri?
Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.
Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
Disciplina e amor paterno
O Pai disciplina os filhos que ama. A correção divina produz fruto de justiça e paz para aqueles que foram exercitados por ela.
Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama! Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake.
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha,
uye usatsamwira kutsiura kwake,
nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda,
sababa nomwanakomana wavanofarira.
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha,
uye usatsamwira kutsiura kwake,
nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda,
sababa nomwanakomana wavanofarira.
Pais terrenos
A Bíblia honra os pais que criam os filhos nos caminhos de Deus. Honrar pai e mãe é mandamento com promessa de vida longa.
Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika." Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
Mwanakomana wangu, teerera,
kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako
nouketani hunoshongedza mutsipa wako.
Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru;
uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
Benzi rinoramba kurayira kwababa varo,
asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.
Vana vevana ikorona kune vakwegura,
uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.
Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake,
mwenje wake uchadzimwa parima guru.
Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
Semiseve mumaoko emhare
ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.
Akaropafadzwa murume
ane goba rizere navo.
Havanganyadziswi
pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.
Vapenyu, ivo vapenyu,
ndivo vanokurumbidzai,
sezvandiri kuita iye nhasi;
madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.
Madzibaba haafaniri kuurayiwa nokuda kwevana vavo, kana vana kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo; mumwe nomumwe achafira chivi chake.
Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.
Ndinokunyorerai, madzibaba,
nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.
Ndinokunyorerai, imi majaya,
nokuti makakunda iye akaipa.
Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa,
nokuti makaziva Baba.
Ndinokunyorerai, madzibaba,
nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.
Ndinokunyorerai, imi majaya,
nokuti mune simba,
shoko raMwari rinogara mamuri,
uye makakunda iye akaipa.
Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.