Publicidade

Palavras de consolo

Por Bíblia Online

A Bíblia é repleta de palavras de consolo para os aflitos. Deus está perto dos que sofrem e promete enxugar toda lágrima, renovar a esperança e restaurar o coração partido.

Deus está conosco

O Senhor é refúgio e fortaleza. Mesmo no vale da sombra da morte, não precisamos temer — Ele está ao nosso lado para nos consolar.

Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,

handingatyi zvakaipa,

nokuti imi muneni;

tsvimbo yenyu nomudonzvo

wenyu zvinondinyaradza.

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,

nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,

ndicho chandinotsvaka:

kuti ndigare mumba maJehovha

mazuva ose oupenyu hwangu,

kuti nditarire kunaka kwaJehovha

uye ndimutsvake mutemberi yake.

Nokuti zuva rokutambudzika

achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara;

achandiviga mudumba retabhenakeri yake,

agondikwidza pamusoro pedombo.

Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha,

ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.

Consolação e esperança

Deus consola os humildes e exalta os abatidos. Ele nunca nos desamparará.

Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo."

Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira."

Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda."

Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira,

uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.

Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka,

Descanso e renovação

Bem-aventurados os que choram, pois serão consolados. A Bíblia nos convida a descansar nos braços do Pai e encontrar paz para a alma.

Vakaropafadzwa vanochema

nokuti vachanyaradzwa.

Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.

Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu,

kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa,

nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.

Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze,

maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.

paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi,

hope dzako dzichava dzakanaka.

Chimwe nechimwe chine nguva yacho

Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,

uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:

nguva yokuberekwa nenguva yokufa,

nguva yokusima nenguva yokudzura;

nguva yokuuraya nenguva yokuporesa,

nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;

nguva yokuchema nenguva yokuseka,

nguva yokuungudza nenguva yokudzana;

nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete,

nguva yokumbundikira nenguva yokurega;

nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike,

nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;

nguva yokubvarura nenguva yokusona,

nguva yokunyarara nenguva yokutaura;

nguva yokuda nenguva yokuvenga,

nguva yehondo nenguva yorugare.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-