Pular para o conteúdo
Publicidade

Pão

Por Bíblia Online

O pão é símbolo central na Bíblia: do maná no deserto ao pão da vida — Jesus. A Escritura usa o pão para ensinar sobre provisão divina, comunhão e dependência espiritual.

O maná do céu

Deus alimentou Israel no deserto com pão do céu. O maná era diário, fiel e suficiente — retrato da provisão constante de Deus.

Jehovha akati kuna Mozisi, "Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ "

Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa. Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje. VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, "Chiiko ichi?" Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii.

Mozisi akati kwavari, "Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.

Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa chine uchi.

Asi akarayira matenga kumusoro

akazarura makonhi okumatenga;

akanayisa mana kuti vanhu vadye,

akavapa zviyo zvokudenga.

Vanhu vakadya chingwa chavatumwa;

akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.

Anomeresa uswa hwemombe,

nembeu kuti vanhu vasakure,

achibudisa zvokudya kubva pasi:

iyo waini inofadza mwoyo womunhu,

namafuta anopenyesa chiso chake,

nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.

O pão da vida

Jesus declarou: 'Eu sou o pão da vida.' Quem vem a Ele nunca terá fome, e quem nele crê jamais terá sede. Ele é o sustento eterno.

Jesu akati kwavari, "Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika."

Ivo vakati, "Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi."

Ipapo Jesu akataura achiti, "Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika."

Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha.

Jesu akapindura akati, "Kwakanyorwa kuchinzi, Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ "

Partilha e comunhão

O partir do pão une o corpo de Cristo. Na Ceia, na generosidade e na partilha, expressamos a comunhão com Deus e uns com os outros.

Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, "Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira."

Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.

Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here? Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

"Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:

" Baba vedu vari kudenga,

zita renyu ngarikudzwe,

umambo hwenyu ngahuuye,

kuda kwenyu ngakuitwe

panyika sezvinoitwa kudenga.

Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.

Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa,

nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

Asi iye akapindura akati, "Imi vapei zvokudya."

Vakati kwaari, "Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?"

Akati, "Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa."

Vakati vazviona, vakati, "Zvishanu, nehove mbiri."

Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro. Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye neane makumi mashanu. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.

Provisão divina

O justo não é desamparado e seus descendentes não mendigam pão. Deus provê com fidelidade o alimento de cada dia.

Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura,

asi handina kumboona vakarurama vachiraswa,

kana vana vavo vachipemha chingwa.

Mbiriso yavaFarisi navaSadhusi

Pavakayambuka mhiri kwegungwa, vadzidzi vakakanganwa kutakura chingwa. Jesu akati kwavari, "Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSadhusi."

Vakakurukura nezvenyaya iyi pakati pavo vakati, "Anodaro nokuti hatina kuuya nechingwa."

Achiziva izvi Jesu akavabvunza akati, "Imi vokutenda kuduku, ko, muri kutauriranei pakati penyu nezvokusava nechingwa? Hamusati mava kunzwisisa here? Hamurangariri here zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? Kana kuti zvingwa zvinomwe zvavanhu zviuru zvina uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi." Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi.

Chingwa pamusoro peMvura

Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji,

nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.

Govera vanomwe, kunyange navaserewo;

nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.

Seja o primeiro