O papel da mulher
A Bíblia honra a mulher como colaboradora essencial no plano de Deus. De Provérbios 31 às mulheres do Novo Testamento, a Escritura celebra a sabedoria, a força e a fé feminina.
A mulher virtuosa
Mulher virtuosa, quem a achará? Seu valor excede o de rubis. Ela é sábia, trabalhadora, generosa e temida pelo Senhor.
Mudzimai ane Unhu Hwakanaka
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?
Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
Murume wake anovimba naye zvizere,
uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa,
mazuva ose oupenyu hwake.
Anosarudza wuru neshinda
uye anoshanda namaoko anoshingaira.
Akafanana nezvikepe zvavatengesi,
anondotora zvokudya zvake kure.
Anomuka kuchakasviba;
agotsvagira mhuri yake zvokudya
uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
Anonanʼanidza munda agoutenga;
anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
Anoita basa rake nesimba;
maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.
Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira,
uye mwenje wake haudzimi pausiku.
Muruoko rwake anobata chirukiso,
uye anobata chirukwa neminwe yake.
Anotambanudzira maoko ake kuvarombo,
uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa,
uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake;
anofara akatarisana namazuva anouya.
Anotaura nouchenjeri,
uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake,
uye haadyi zvokudya zvousimbe.
Mukadzi akachenjera anovaka imba yake,
asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro.
Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa
Yambiro pamusoro poUnyengeri
Mwanakomana wangu, teerera,
kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
Beleza interior
A beleza verdadeira não é exterior, mas o caráter incorruptível de um espírito manso e tranquilo. Isso tem grande valor diante de Deus.
Vakadzi naVarume
Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu. Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari. Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo, saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.
Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji,
Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.
Parceria e dignidade
Deus criou homem e mulher à sua imagem. A mulher não é inferior, mas parceira e co-herdeira da graça da vida.
Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake,
akamusika mumufananidzo waMwari;
akavasika murume nomukadzi.
Mwari akavaropafadza akati kwavari, "Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika."
Jehovha Mwari akati, "Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira."
Kumukadzi akati,
"Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana;
uchabereka vana mukurwadziwa.
Kuda kwako kuchava kumurume wako,
uye achava nesimba pamusoro pako."
Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi. Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari.
Vakadzi naVarume
Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.
Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo, kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.