Publicidade

As 10 parábolas mais importantes de Jesus

Por Bíblia Online  - 
As 10 parábolas mais importantes de Jesus

Jesus ensinou lições profundas por meio de parábolas, histórias curtas e simbólicas que comunicam verdades espirituais. Cada parábola tem um significado especial e atemporal, revelando o caráter de Deus e ensinando como viver como cristãos. Aqui estão 10 das parábolas mais marcantes e suas lições:

1. Parábola do Semeador (Mateus 13:3-9)

Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, "Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe."

A parábola do semeador fala sobre a receptividade das pessoas à Palavra de Deus. Cada tipo de solo representa diferentes maneiras de receber e aplicar o Evangelho em nossas vidas. Somente um coração fértil e comprometido pode dar frutos espirituais abundantes.

2. O Bom Samaritano (Lucas 10:25-37)

Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, "Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?"

Iye akapindura akati, "Mumurayiro makanyorweiko? Unouverenga seiko?"

Akapindura akati, " ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ "

Jesu akapindura akati, "Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama."

Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, "Muvakidzani wangu ndianiko?"

Jesu akapindura akati, "Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa. Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona murume uyo, akamunyenyeredza. Saizvozvowo, muRevhi akasvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo. Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta. Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’

"Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?"

Mududziri womurayiro akati, "Uyo akamunzwira tsitsi."

Jesu akati kwaari, "Enda unoita saizvozvo."

Essa parábola nos ensina sobre o amor ao próximo, independentemente de raça ou religião. O samaritano ajudou um desconhecido, mostrando que a verdadeira fé se revela no amor ao próximo.

3. A Ovelha Perdida (Lucas 15:4-7)

"Ndianiko pakati penyu kana ane makwai zana, rimwe racho kana rikarasika, asingasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe kumafuro achindotsvaka gwai rakarasika kusvikira ariwana? Uye kana ariwana, anoritakura pamapfudzi ake nomufaro agoenda kumba. Ipapo anodana shamwari dzake navavakidzani pamwe chete agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni nokuti ndawana gwai rangu rakanga rarasika.’ Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro mukuru uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anenge atendeuka, kupfuura pamusoro pavakarurama makumi mapfumbamwe navapfumbamwe vasingatsvaki kutendeuka.

Deus é como o pastor que busca incessantemente uma ovelha perdida. Essa parábola revela o amor incansável de Deus pelos pecadores, celebrando a alegria no céu quando alguém se arrepende.

4. O Filho Pródigo (Lucas 15:11-32)

Jesu akaenderera mberi akati: "Pakanga pano mumwe murume akanga ane vanakomana vake vaviri. Muduku wacho akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka yangu.’ Saka baba vakakamura pfuma yavo vakavagovanisa pakati pavo.

"Mazuva mashoma asati apera, mwanakomana muduku akaunganidza zvose zvaakanga anazvo, akasimuka akaenda kunyika iri kure akandoparadza pfuma yake ikoko namararamiro akaipa. Shure kwokunge apedza zvose, kwakava nenzara huru munyika yose iyoyo, uye akatanga kushayiwa. Saka akaenda akandozvitsvakira basa kuno mumwe mugari womunyika imomo, iye akamutumira kuminda yake kuti anofudza nguruve. Akada kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve, asi hapana munhu akamupa kana chinhu.

"Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa! Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.’ Saka akasimuka akaenda kuna baba vake.

"Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.

"Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’

"Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake. Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere. Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa.’ Saka vakatanga kupembera.

"Zvichakadaro, mwanakomana mukuru akanga ari kumunda akati aswedera pedyo nemba, akanzwa nziyo nokutamba. Saka akadana mumwe wavaranda akamubvunza kuti chii chakanga chichiitika. Muranda akapindura akati, ‘Mununʼuna wenyu auya uye baba venyu vamubayira mhuru yakakodzwa nokuti adzoka ari mupenyu uye akasimba.’

"Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Saka baba vake vakabuda vakamunyengetedza. Asi akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu. Asi pangouya mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa!’

"Baba vakati, ‘Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako. Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti mununʼuna wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’ "

A parábola do filho pródigo fala sobre o perdão e o amor incondicional de Deus por Seus filhos, mesmo quando se desviam.

5. A Pérola de Grande Valor (Mateus 13:45-46)

"Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.

Jesus ensina que o Reino de Deus é o bem mais precioso e devemos estar dispostos a renunciar tudo para possuí-lo.

6. O Fariseu e o Publicano (Lucas 18:9-14)

Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati, "Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi. MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu. Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’

"Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’

"Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa."

Essa parábola nos lembra que Deus valoriza um coração humilde e arrependido, em contraste com a arrogância espiritual. O publicano, ao reconhecer seus pecados, foi justificado diante de Deus.

7. Os Talentos (Mateus 25:14-30)

"Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. Kuno mumwe akapa matarenda mashanu emari, kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake. Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu. Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri. Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake.

"Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo. Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’

"Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’

"Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’

"Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’

"Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu. Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’

"Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu? Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka.

" ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa. Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

Nesta história, Jesus ensina sobre a responsabilidade de usar bem os dons e recursos que Deus nos confiou. A fidelidade nas pequenas coisas abre portas para bênçãos maiores.

8. O Rico e Lázaro (Lucas 16:19-31)

"Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose. Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.

"Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa. Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’

"Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa. Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’

"Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu, nokuti ndina vanunʼuna vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’

"Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’

"Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’

"Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’ "

A parábola alerta sobre as consequências de negligenciar os necessitados e viver para si mesmo. Também destaca a realidade do julgamento e da vida após a morte.

9. O Joio e o Trigo (Mateus 13:24-30)

Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, "Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo.

"Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’

"Akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’

"Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’

"Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ "

Essa história simboliza o bem e o mal coexistindo no mundo até o julgamento final, quando Deus fará a separação entre os justos e os ímpios.

10. As Dez Virgens (Mateus 25:1-13)

"Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata.

"Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’

"Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’

"Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’

"Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.

"Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’

"Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’

"Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva.

Jesus enfatiza a necessidade de estarmos sempre preparados espiritualmente para Sua segunda vinda, pois ninguém sabe o momento exato.

As parábolas de Jesus continuam sendo fontes ricas de sabedoria e direção para a vida cristã. Ao aplicarmos esses ensinamentos, nos aproximamos mais de Deus e de Sua vontade.

Se este artigo te ajudou, faça sua parte e compartilhe a Palavra de Deus com aqueles que você ama.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-20_17-16-08-