Páscoa
A Páscoa é a celebração suprema da redenção. Do cordeiro pascal no Egito ao Cordeiro de Deus que tira o pecado do mundo, ela aponta para o sacrifício e a vitória de Cristo.
A caminhada para a cruz
Jesus entrou em Jerusalém como Rei humilde, e a multidão o aclamou. Ele sabia do sofrimento que viria, mas caminhou em obediência até o fim.
Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti:
"Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!"
"Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!"
"Hosana kumusoro-soro!"
Haiwa Jehovha, tiponesei;
haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.
Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha.
Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.
Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!
Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!
Tarira, mambo wako anouya kwauri,
iye akarurama uye ano ruponeso,
anozvininipisa akatasva mbongoro,
iyo mhuru, mwana wembongoro.
"Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!"
A paixão de Cristo
Jesus foi zombado, açoitado e crucificado. Ele orou no Getsêmani e entregou sua vida voluntariamente, dizendo: 'Está consumado!'
Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, "Kwaziwai, Mambo wavaJudha!"
Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: "uyu ndijesu, mambo wavajudha."
Akati, "Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu."
Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, "Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu." Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.
Akati anwa Jesu akati, "Zvapera." Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake.
A ressurreição gloriosa
Ele não está aqui — ressuscitou! O túmulo vazio é a prova de que a morte foi derrotada e Cristo vive para sempre.
Mutumwa akati kuvakadzi vaya, "Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa. Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete.
Iye akati, "Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti: ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ "
Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda. (Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.)