Pecado
O pecado é a realidade que separa a humanidade de Deus. Mas a Bíblia também revela a solução: o sangue de Cristo que nos purifica e a graça que nos liberta de toda condenação.
A universalidade do pecado
Todos pecaram e carecem da glória de Deus. Não há justo, nem sequer um. O pecado entrou no mundo por um homem, mas a graça veio por Jesus.
nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,
nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.
Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.
Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
Isu tose tafanana nousina kuchena,
uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina;
isu tose tinooma seshizha,
semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.
Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro.
Liberdade da condenação
Não há condenação para os que estão em Cristo Jesus. Ele nos libertou da lei do pecado e da morte para vivermos em novidade de vida.
Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.
Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho. Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha.
Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe nokuti, kunyange zvenyu maimbova varanda vechivi, makateerera nomwoyo wenyu wose kurudzi rwedzidziso yamakanga mapiwa. Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama.
Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose!
Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handisi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi. Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka. Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri.
Jesu akapindura akati, "Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi.
Confissão e perdão
Se confessarmos os nossos pecados, Deus é fiel e justo para nos perdoar e purificar de toda injustiça. A confissão liberta a alma.
Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri. Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.
Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.
Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi.
Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari,
nokuda kworudo rwenyu rusingaperi;
dzimai kudarika kwangu
nokuda kwengoni dzenyu huru.
Shambidzai zvakaipa zvangu zvose
uye mundinatse kubva pachivi changu.
Ndakakutadzirai imi, iyemi moga
nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu,
kuti munzi makarurama pamunotaura
uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.
Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa,
ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.
Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo;
munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.
Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena;
ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.
Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa;
itai kuti mapfupa amakapwanya afare.
Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu
uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.
Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri
uye handina kuvanza chakaipa changu.
Ndakati, "Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,"
uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
Akaropafadzwa uyo
akakanganwirwa kudarika kwake,
akafukidzirwa zvivi zvake.
Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha,
kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.
Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo,
nokuti zvakabvira kare.
Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu,
nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo;
ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu,
nokuti makanaka, imi Jehovha.
Ndianiko angaziva kukanganisa kwake?
Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.
Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri,
asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.
Vencendo o pecado
Cristo nos resgatou e nos restaurou. Devemos mortificar as obras da carne, fugir do pecado e prosseguir em santidade.
Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.
Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo."
Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.
Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori.
Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza.
Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.
Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.
Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.
"Mukutsamwa kwenyu, musatadza." Musarega zuva richivira muchakangotsamwa,
Responsabilidade e restauração
O pecado tem consequências, mas Deus restaura o arrependido. Devemos corrigir uns aos outros com mansidão e cobrir o pecado com amor.
Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo.
Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
"Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako.
"Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako.
Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika.
"Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?
Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.
Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita akasazviita, ari kutadza.
Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.
Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.
Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.
Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.
Fuga do pecado
Bem-aventurado o que não anda no conselho dos ímpios. O caminho do justo é guardado pelo Senhor, e sua Palavra nos protege da queda.
Akaropafadzwa munhu
asingafambi panorangana vakaipa,
asingamiri panzira yavatadzi,
asingagari pachigaro chavadadi.
Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu;
chivi ngachirege kunditonga.
Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka,
asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.
Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, "Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari." Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, "Hoyo munhu!"
Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, "Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!"
Asi Pirato akapindura achiti, "Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari."
Kana muchiregerera ani zvake zvivi zvake, zvicharegererwa; kana musingavaregereri, havaregererwi."
Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda."