Planejamento
O planejamento é sábio, mas deve sempre se submeter à vontade de Deus. A Bíblia ensina que devemos planejar com prudência, mas confiar que Deus dirige nossos passos.
Planejar com sabedoria
Contar nossos dias nos ensina a ter coração sábio. O planejamento prudente é elogiado na Escritura como expressão de bom senso.
Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,
kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.
"Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?
Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano,
asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita,
ipapo urongwa hwako huchabudirira.
Usazvionza nokuda kuwana pfuma;
iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
Deus dirige os passos
O coração do homem planeja, mas a resposta certa vem do Senhor. Seus caminhos são mais altos que os nossos, e seus planos prevalecem.
Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake,
asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.
Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu,
asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.
"Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu,
uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,
saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu,
nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose,
anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.
Confiança no plano de Deus
Os planos do Senhor são de paz e esperança. Ele revela seus segredos aos seus servos e guia com fidelidade cada caminho confiado a Ele.
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu
asina kuzivisa varanda vake,
vaprofita, zvakavanzika zvake.
Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,
uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.
Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,
nokuti ndinovimba nemi.
Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,
nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
Chimwe nechimwe chine nguva yacho
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,
uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake.
Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.
Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba,
kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,
nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka,
asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.