Publicidade

Poder

Por Bíblia Online

O poder de Deus opera nos que creem. A Bíblia revela que o cristão recebe poder do alto para viver, servir e vencer — não por força própria, mas pelo Espírito de Deus.

Poder do Espírito Santo

Jesus prometeu que seus seguidores receberiam poder ao descer sobre eles o Espírito Santo. Esse poder capacita para testemunho e serviço.

Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika."

Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.

Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.

Poder na Palavra e na fé

A Palavra de Deus é viva e eficaz, mais cortante que espada de dois gumes. O poder não está em palavras, mas na demonstração do Espírito.

Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

Nokuti umambo hwaMwari hahuzi pakutaura bedzi asi pasimba.

Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora."

Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.

Fortalecidos pelo Senhor

Tudo posso naquele que me fortalece. O cristão encontra poder não em si mesmo, mas na força do Senhor e na sua armadura espiritual.

Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.

muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo

Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, "Nyarara! Dzikama!" Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.

Akati kuvadzidzi vake, "Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?"

Vakatya uye vakabvunzana vachiti, "Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!"

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-