Gravidez e maternidade
Gravidez e maternidade são bênçãos celebradas na Bíblia. Deus forma cada criança no ventre, cuida da mãe e da família, e abençoa a geração dos justos.
Filhos são herança do Senhor
Deus abençoa a fertilidade e o crescimento das famílias. Cada criança é obra de suas mãos, conhecida e amada antes mesmo de nascer.
Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki.
asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo.
Vana vake vachava nesimba panyika;
zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.
Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;
makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;
mabasa enyu anoshamisa,
ndinonyatsozviziva kwazvo.
Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,
pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.
Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
meso enyu akaona muviri usati waumbwa.
Mazuva ose andakarongerwa
akanga akanyorwa mubhuku renyu,
rimwe rawo risati ravapo.
Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
Ndingasvitsa panguva yokubereka
ndikasaberekesa here?" ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Ko, ndinozarira chizvaro
pandinoberekesa here?" ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
Força e cuidado na gravidez
Deus dá forças à mulher grávida e a sustenta em cada etapa. Sua graça é suficiente e seu poder se aperfeiçoa na fraqueza.
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
Asi iye akati kwandiri, "Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera." Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri,
kurumidzai kundinunura;
ivai dombo rangu rokuvanda,
nhare yakasimba inondiponesa.
Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri,
ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya;
nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura.
Anofudza makwai ake somufudzi:
Anounganidza makwayana mumaoko ake
agoatakurira pedyo nomwoyo wake;
zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.
"Ndinzwei, imi imba yaJakobho,
imi mose vakasara veimba yaIsraeri,
imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu,
uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.
Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu,
bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai.
Ndakakuitai uye ndichakutakurai;
ndichakuraramisai uye ndichakununurai.
A bênção da maternidade
A Bíblia honra a maternidade como ministério sagrado. As mães são instrumentos de Deus para formar vidas e transmitir a fé.
Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora.
Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa,
murume wakewo, anomurumbidza:
Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, "Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume."
Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa. Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari.
Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.
Naizvozvo nokufamba kwenguva, Hana akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Samueri, achiti, "Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha."
Proteção divina
Deus protege a mãe e o bebê, guardando-os de todo mal. Ele acompanha cada momento com ternura e fidelidade.
Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro
achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
Ndichati pamusoro paJehovha, "Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,
Mwari wangu, wandinovimba naye."
Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,
iye acharinda upenyu hwako;
Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,
kubva zvino uye nokusingaperi.
"Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe,
usati waberekwa, ndakakutsaura;
ndakakugadza somuprofita kumarudzi."
"Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,
"Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo,
uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here?
Kunyange hazvo ivo vakakanganwa,
ini handizokukanganwi!
Esperança e promessa
A maternidade é caminho de esperança. Como Sara, Ana e Isabel, as mães encontram na fé a força para aguardar as promessas de Deus.
Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.
Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!"
Maria akati:
"Mwoyo wangu unokudza Ishe
uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,
nokuti akanga ane hanya
nokuninipiswa kwomurandakadzi wake.
Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,
nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru,
zita rake idzvene.
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,
samai vavana vanofara.
Rumbidzai Jehovha.
Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari."
Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,
pakati peimba yako;
vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,
vakakomberedza tafura yako.