Pular para o conteúdo
Publicidade

Preservação das escrituras

Por Bíblia Online

A Palavra de Deus permanece para sempre. As Escrituras foram preservadas por Deus ao longo dos milênios para instrução, consolação e guia de todas as gerações.

A Palavra eterna

Céus e terra passarão, mas as palavras de Deus jamais passarão. Sua Palavra é eterna, infalível e imutável — a verdade que sustenta tudo.

Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.

Uswa hunooma uye maruva anowa,

asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi."

Nokuti,

"Vanhu vose vakaita souswa,

uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa;

uswa hunosvava uye maruva anowira pasi,

asi shoko raShe rinogara nokusingaperi."

Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.

Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. Nokuti,

"Vanhu vose vakaita souswa,

uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa;

uswa hunosvava uye maruva anowira pasi,

asi shoko raShe rinogara nokusingaperi."

Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.

A inspiração divina

Toda Escritura é inspirada por Deus. Homens santos falaram da parte do Senhor, e a Palavra escrita é a expressão fiel da vontade divina.

Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga. Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.

Kristu mukuru kuVatumwa

Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.

Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.

Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.

A Palavra como guia e tesouro

A Palavra de Deus é lâmpada para os pés, espada do Espírito e tesouro para o coração. Guardá-la e meditá-la nos protege do pecado.

Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,

kuti ndirege kukutadzirai.

Matenga anotaura kubwinya kwaMwari;

matenga anoparidza mabasa amaoko ake.

Zuva nezuva anotaura;

usiku nousiku anoratidza zivo.

Hakuna mutauro kana rurimi

rusinganzwi inzwi ravo.

Inzwi razvo rinosvika panyika yose,

mashoko azvo kumagumo apasi.

Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,

rakaita sechikomba chinobuda mumba,

seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.

Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga

richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi;

hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.

Murayiro waJehovha wakakwana,

unomutsiridza mweya.

Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika,

zvinopa njere kuna vasina mano.

Zvirevo zvaJehovha zvakarurama,

zvinopa mufaro kumwoyo.

Murayiro waJehovha unopenya,

unopa chiedza kumaziso.

Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,

sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,

yakanatswa kanomwe.

Imi Jehovha, muchatichengeta murugare

uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

Asi iwo unoti chiiko? "Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako," ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu. Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti:

"Inzwi ravo rakasvika kunyika yose,

namashoko avo kumigumo yenyika."

Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.

Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.

uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.

Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi.

Seja o primeiro