Profecia
A profecia é a voz de Deus revelada ao seu povo. Através dos profetas, Deus comunicou seus planos, advertiu contra o pecado e anunciou a vinda do Messias.
Profecia e revelação divina
A profecia na Bíblia não é invenção humana, mas homens santos de Deus falaram movidos pelo Espírito Santo, revelando os mistérios divinos.
Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.
Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu
asina kuzivisa varanda vake,
vaprofita, zvakavanzika zvake.
Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.
Profecias messiânicas cumpridas
As profecias do Antigo Testamento sobre o Messias se cumpriram em Jesus. Seu nascimento, ministério e sacrifício foram anunciados séculos antes.
Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri.
Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti: "Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ "
Kuuya kwaMambo weZioni
Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!
Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!
Tarira, mambo wako anouya kwauri,
iye akarurama uye ano ruponeso,
anozvininipisa akatasva mbongoro,
iyo mhuru, mwana wembongoro.
Kururama kubudikidza nokutenda
Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,
Discernimento profético
A Bíblia nos alerta para examinar tudo e reter o que é bom. Nem todo que profetiza fala da parte de Deus — devemos provar os espíritos.
Edzai Mweya
Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika.
Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.
Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. Regai zvakaipa zvose.
Muti noMuchero Wawo
"Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.
Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.
Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.
"Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha.