Proximidade
Deus é próximo dos que o buscam. Ele não é um Deus distante, mas presente, íntimo e acessível a todo o que o invoca com sinceridade de coração.
Buscar a presença de Deus
A Bíblia nos exorta a buscar a face do Senhor continuamente. Quem se aproxima dele encontra plenitude de alegria e delícias perpétuas.
Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake;
tsvakai chiso chake nguva dzose.
Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;
tsvakai chiso chake nguva dzose.
Tsvakai Jehovha achawanikwa:
danai kwaari achiri pedyo.
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,
ndicho chandinotsvaka:
kuti ndigare mumba maJehovha
mazuva ose oupenyu hwangu,
kuti nditarire kunaka kwaJehovha
uye ndimutsvake mutemberi yake.
Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,
kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;
ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari
wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.
Makandizivisa nzira youpenyu;
muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu,
nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.
Deus está perto
O Senhor está perto dos que o invocam, dos quebrantados de coração e dos que clamam por socorro. Sua presença nos sustenta.
Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;
anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika
uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo.
Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.
Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,
mazuva ose oupenyu hwangu,
uye ndichagara mumba maJehovha
nokusingaperi.
A presença que nunca abandona
Deus promete nunca nos deixar. Ele permanece fiel, está conosco em todo tempo e envia o Espírito para habitar em nossos corações.
Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.
Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa.
Asi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvaparadza kana kuvarasa, nokuti muri Mwari ane nyasha netsitsi.
Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.
Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.
Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.
Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.
Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi.
Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi. Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, "Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai. Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro. Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, vakamutsvaka, uye akawanikwa navo. Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo. Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana. Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro."
Asa paakanzwa mashoko aya nokuprofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha.
Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye.
Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa. Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe, nemakwai nembudzi zviuru zvinomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo. Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose. Vose vakanga vasingazotsvaki Jehovha, Mwari waIsraeri, vaizofanira kuurayiwa, zvisinei kuti mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi. Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokudanidzira uye nehwamanda nenyanga. Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose.
Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityora-tyora akaripisa muMupata weKidhironi. Kunyange zvake asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira kubva muIsraeri, Asa akanga akazvipira nomwoyo wake wose kuna Jehovha upenyu hwake hwose. Akauyisa mutemberi yaMwari sirivha negoridhe nemidziyo yaakanga akumikidza iye nababa vake.
Hakunazve kuzoita hondo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokutonga kwaAsa.