Pular para o conteúdo
Publicidade

Reino dos céus

Por Bíblia Online

O Reino dos Céus é comparado por Jesus a tesouros, sementes e redes. Através de parábolas, Ele revelou os mistérios de um Reino que já está entre nós, mas que se consumará na eternidade.

O valor incomparável do Reino

O Reino dos Céus é como um tesouro escondido ou uma pérola de grande valor. Quem o encontra, vende tudo para possuí-lo.

Mufananidzo wePfuma Yakavigwa noweParera

"Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo.

"Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.

Mufananidzo weMbeu yeMasitadhi noweMbiriso

Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, "Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo."

Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, "Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, kusvikira yapinda muchikanyiwa chose."

Parábolas do Reino

Jesus ensinou sobre o Reino mediante parábolas que revelam seu crescimento, seu juízo e a separação final entre justos e injustos.

Mufananidzo waMasawi

Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, "Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo.

"Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?

"Akavapindura achiti, Muvengi ndiye akaita izvi.

"Varanda vakamubvunza vakati, Munoda kuti tiende kunoridzura here?

"Akapindura akati, Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ "

Kududzirwa kwoMufananidzo waMasawi

Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, "Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda."

Akapindura akati, "Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa, muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa.

"Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Mufananidzo woUsvasvi

"Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa. Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno."

Quem herda o Reino

Os humildes, os pobres de espírito e as crianças são herdeiros do Reino. Mas é difícil para os ricos entrarem nele.

"Vakaropafadzwa varombo pamweya,

nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

Vakaropafadzwa vanochema

nokuti vachanyaradzwa.

Vakaropafadzwa vanyoro

nokuti vachagara nhaka yenyika.

Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama

nokuti vachagutswa kwazvo.

Vakaropafadzwa vane tsitsi

nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.

Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,

nokuti vachaona Mwari.

Vakaropafadzwa vanoyananisa

nokuti vachanzi vana vaMwari.

Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama

nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

"Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.

Mukuru muUmambo hwoKudenga

Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, "Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?"

Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. Uye akati, "Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.

Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."

Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, "Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari."

Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, "Ndiani zvino achaponeswa?"

Jesu akavatarisa akati, "Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka."

Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?

Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.

Buscar o Reino acima de tudo

Jesus ensinou que devemos buscar primeiro o Reino e sua justiça. Nem todo que diz 'Senhor, Senhor' entrará — só quem faz a vontade do Pai.

"Havasi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishevachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga. Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.

"Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:

" Baba vedu vari kudenga,

zita renyu ngarikudzwe,

umambo hwenyu ngahuuye,

kuda kwenyu ngakuitwe

panyika sezvinoitwa kudenga.

Johani Mubhabhatidzi Anogadzira Nzira

Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, achiti, "Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo."

Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, "Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo."

Pamunoenda, muparidze muchiti, Umambo hwokudenga hwaswedera.

Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga.

Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.

A herança eterna

O Reino dos Céus é inabalável e eterno. Deus nos chama a fazer firme a nossa vocação e eleição para entrar nesse Reino.

Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya, nokuti "Mwari wedu moto unoparadza."

Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu,

uye vachataura nezvesimba renyu,

kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru,

nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.

Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi,

uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose,

uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi, nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu.

Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

"Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.

Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari.

Seja o primeiro