Repouso e férias
Deus criou o descanso como parte da vida. O sábado, o repouso e até as férias refletem a confiança de que Deus sustenta todas as coisas — mesmo quando paramos.
O descanso como ordenança
Deus descansou no sétimo dia e nos convidou a fazer o mesmo. O descanso sabático é um presente de Deus para restauração do corpo e da alma.
Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari; nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.
"Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata,
uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene,
kana ukati Sabata izuva rinofadza,
uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa,
uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako,
uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo,
ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha,
uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika,
uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho."
Muromo waJehovha wazvitaura.
Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.
Sono e paz
Ditar-se em paz e dormir tranquilamente é bênção do Senhor. Quem confia nele dorme sem medo e acorda renovado.
Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,
nokuti imi moga, Jehovha,
munoita kuti ndigare pakasimba.
Ndinovata pasi ndigokotsira;
ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.
Hazvina maturo kumuka mangwanani
nokunonoka kuvata,
uchitambudzikira zvokudya,
nokuti anopa hope kuna vaanoda.
Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku,
kana museve unopfurwa masikati,
paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi,
hope dzako dzichava dzakanaka.
Hope dzomushandi dzakanaka,
hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji,
asi kuwanda kwezvinhu
zvomupfumi hakumuwanisi hope.
Descanso e segurança
No repouso, encontramos segurança. Deus guarda os justos, e mesmo no silêncio da noite, sua paz nos protege e restaura.
Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko;
ucharinga-ringa ugozorora murugare.
Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa,
uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
Vose vanofamba mukururama
vanopinda murugare,
vanowana zororo pavanovata murufu.