Publicidade

Descansar no Senhor

Por Bíblia Online

Descansar no Senhor é um ato de fé. Em um mundo agitado, Deus nos convida a entregar nossas ansiedades, aquietar o coração e confiar plenamente em sua provisão e cuidado.

O convite ao descanso

Jesus convida os cansados e sobrecarregados a irem a Ele e encontrar descanso para as suas almas. O jugo dele é leve.

"Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka."

Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere;

usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo,

pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

"Mirai, muzive kuti ndini Mwari;

ndichakudzwa pakati pendudzi,

ndichasimudzirwa panyika."

Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;

dururai mwoyo yenyu kwaari,

nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera

Confiança e paz

Quem confia no Senhor encontra paz perfeita. A ansiedade perde o poder quando entregamos tudo nas mãos do Deus soberano.

Muchachengeta murugare

rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba,

nokuti anovimba nemi.

Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri:

"Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu,

murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu,

asi imi makaramba chimwe chazvo.

Chibereko chokururama chichava rugare;

uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.

asi avo vane tariro muna Jehovha

vachavandudza simba ravo.

Vachabhururuka namapapiro samakondo;

vachamhanya vasinganeti;

vachafamba vasingaziyi.

Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.

Esperar no Senhor

Esperar no Senhor renova as forças. A Bíblia nos ensina que aquietar-se diante de Deus e confiar em seu tempo é marca da maturidade espiritual.

Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu;

iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

Kanda kufunganya kwako pana Jehovha

uye iye achakusimbisa;

haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;

pamunenge muri pamibhedha yenyu,

nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera

Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye,

kumunhu anomutsvaka;

chinhu chakanaka kumirira

ruponeso rwaJehovha unyerere.

A fidelidade de Deus

Deus é fiel. Seus planos são de paz e esperança. Podemos descansar sabendo que Ele guarda e sustenta quem nele confia.

Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

"Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,

akaisa chivimbo chake maari.

Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,

unotuma midzi yawo kurukova.

Hautyi kana kupisa kuchisvika;

mashizha awo anogara ari manyoro.

Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura,

uye haumboshayiwi zvibereko."

Jehovha akapindura akati, "Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo."

Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.

Akati kuJudha, "Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose." Saka vakavaka uye vakabudirira.

Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, "Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu." Muranda akaita saizvozvo. "Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari."

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-