Publicidade

Sabedoria

Por Bíblia Online

A sabedoria é um dos temas mais ricos da Bíblia. O temor do Senhor é seu princípio, e buscá-la vale mais que ouro ou prata. Deus promete dar sabedoria generosamente a quem pedir com fé.

O princípio da sabedoria

O temor do Senhor é o início de toda sabedoria verdadeira. Quem reverencia a Deus aprende a viver com discernimento e prudência.

Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo,

asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

"Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri,

uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri,

uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;

vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.

Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

"Asi uchenjeri hungawanikwepiko?

Kunzwisisa kunogarepiko?

Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo;

hahungawanikwi munyika yavapenyu.

Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’

Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’

Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka,

uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.

Hahungatengwi negoridhe reOfiri,

namatombo anokosha eonikisi kana esafire.

Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari,

uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.

Korari nejasipa hazvingatongorehwi;

mutengo wouchenjeri unokunda maparera.

Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo;

hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.

"Zvino uchenjeri hunobvepiko?

Kunzwisisa kunogarepiko?

Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose,

zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.

Kuparadza noRufu zvinoti,

‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’

Sabedoria como dom de Deus

A verdadeira sabedoria vem do alto. Deus a concede generosamente a quem pede com fé, sem lançar em rosto a fraqueza humana.

Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

Nokuti Jehovha anopa uchenjeri,

uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.

Nokuti Jehovha anopa uchenjeri,

uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.

uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere

uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,

ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha

uye uchawana ruzivo rwaMwari.

Ndinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu:

Makandipa uchenjeri nesimba,

makandizivisa zvatakakumbira kwamuri,

makazivisa kwatiri kurota kwamambo."

akati:

"Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri;

uchenjeri nesimba ndezvake.

Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.

A sabedoria do alto

A sabedoria que vem de Deus é pura, pacífica, amável, cheia de misericórdia e de bons frutos. Ela se opõe à sabedoria terrena e mundana.

Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.

Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo.

asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.

Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave "benzi" kuti ave akachenjera.

Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave "benzi" kuti ave akachenjera.

Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva.

Direção e discernimento

Deus guia os humildes na justiça e ensina seu caminho aos mansos. Ele promete dirigir nossos passos quando confiamos nele de todo o coração.

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose

urege kuzendamira panjere dzako;

munzira dzako dzose umutungamidze,

uye acharuramisa nzira dzako.

Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako;

itya Jehovha uvenge zvakaipa.

Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;

ndichakupa zano uye ndichakurinda.

Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama,

uye anovadzidzisa nzira yake.

Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha,

ndidzidzisei nzira dzenyu;

nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa,

nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu,

uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.

Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu,

anosimbisa mafambiro ake;

Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,

nokuti ndinovimba nemi.

Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,

nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,

nokuti muri Mwari wangu;

mweya wenyu wakanaka

ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu;

ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.

Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha;

ndisesedzei munzira yakarurama

nokuda kwavamanikidzi vangu.

A Palavra como fonte de sabedoria

A Palavra de Deus é lâmpada para os pés e luz para o caminho. Meditar nas Escrituras nos dá entendimento superior ao dos mestres.

Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,

nechiedza chenzira yangu.

Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,

nechiedza chenzira yangu.

Ndisvinudzei meso angu kuti ndione.

Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.

Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza;

kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.

Akaropafadzwa munhu

asingafambi panorangana vakaipa,

asingamiri panzira yavatadzi,

asingagari pachigaro chavadadi.

Asi anofarira murayiro waJehovha,

uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.

Paunofamba zvichakutungamirira;

paucharara, zvichakurinda;

pauchamuka, zvichataura newe.

Sabedoria prática para o dia a dia

A sabedoria se aplica em cada decisão: nas finanças, nos relacionamentos, no trabalho e no uso do tempo. Vivamos como sábios, não como insensatos.

Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

Teerera zano ugamuchire kurayirwa,

uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

Teerera zano ugamuchire kurayirwa,

uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake;

uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.

Ita urongwa nokutsvaga mazano;

kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.

nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa,

uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.

Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa,

asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.

Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete,

asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.

Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake,

asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.

Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari,

asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.

Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo,

asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.

Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro,

asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

Mwoyo woune njere unowana ruzivo,

nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.

Benzi harifariri kunzwisisa,

asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.

Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera,

uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.

vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo,

uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,

Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.

Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.

Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu, sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.

O valor da sabedoria

A sabedoria é mais preciosa que rubis. Quem a encontra, encontra a vida e alcança o favor do Senhor. Nada se compara a ela.

Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri,

munhu anowana kunzwisisa,

Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu

uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe,

kusarudza njere pane sirivha!

Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake,

asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu,

asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.

Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari,

asi kunakisa kworuzivo ndokuku:

kuti uchenjeri hunochengetedza

upenyu hwomunhu anahwo.

Usati, "Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?"

Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.

Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri.

A sabedoria e a soberania de Deus

Os caminhos de Deus são mais altos que os nossos. Sua sabedoria é insondável, eterna e infinitamente superior ao entendimento humano.

"Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,

saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu,

nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.

"Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu,

uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,"

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Hauzivi here?

Hauna kunzwa here?

Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi,

Musiki wamagumo enyika.

Haaneti kana kuziya,

uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.

Hauzivi here?

Hauna kunzwa here?

Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi,

Musiki wamagumo enyika.

Haaneti kana kuziya,

uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.

Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa,

kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika.

Anondimutsa mangwanani namangwanani,

anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.

Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro,

vanovimba namabhiza,

vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo

uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza,

asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri,

kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.

Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi;

haangadzosi mashoko ake.

Iye achamukira imba yavakaipa,

naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.

Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose,

anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.

Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake,

mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba,

mweya wokuziva newokutya Jehovha,

uye achafarira kutya Jehovha.

Haazotongi nezvaanoona nameso ake,

kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake,

Jehovha achakutungamirira nguva dzose;

achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva

uye achasimbisa mapfupa ako.

Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime,

sechitubu chine mvura isingapwi.

Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!

Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi!

kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni.

Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.

Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko!

Makaaita ose nenjere;

nyika izere nezvisikwa zvenyu.

Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;

kunzwisisa kwake hakuperi.

Munondisesedza nezano renyu,

uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.

Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,

kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri,

uye rurimi rwake runotaura kururamisira.

Farikana muna Jehovha,

uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

Nditungamirirei, imi Jehovha,

mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu,

ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.

Makandizivisa nzira youpenyu;

muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu,

nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

Vachauya vachichema;

vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa.

Ndichavafambisa nepahova dzemvura,

napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi,

nokuti ndiri baba vaIsraeri,

uye Efuremu ndiye dangwe rangu.

Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake;

hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake.

Asi Mwari akaita nyika nesimba rake,

akateya nyika nouchenjeri hwake,

uye akatambanudza matenga nokunzwisisa kwake.

Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana,

nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.

Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira,

asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.

Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni.

Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.

Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti:

"Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe,

uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye,

nokuti Ishe anoranga uyo waanoda,

uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana."

Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.

"Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.

Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.

Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama."

Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika,

nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;

Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here?

Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

"Uchenjeri nesimba ndezvaMwari;

kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.

Ipapo Jobho akapindura akati:

"Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi.

Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?

Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye,

haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru.

Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo.

Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?

Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi.

Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri?

Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni,

nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

Akavaudza kuti, "Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo.

Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-