Seguir a Jesus
Seguir a Jesus é o convite mais transformador da Bíblia. Jesus chamou pescadores, cobradores de impostos e pessoas comuns para deixar tudo e segui-lo. Esse chamado continua vivo hoje.
O chamado de Jesus
Jesus disse: 'Segue-me'. Esse convite simples e poderoso mudou a vida de pescadores, publicanos e pessoas comuns ao longo da história.
Jesu akati kwavari, "Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu." Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.
Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, "Nditevere," uye Mateo akasimuka akamutevera.
Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, "Nditevere."
Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, "Ndichakuteverai kwose kwamunoenda."
Jesu akapindura akati, "Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake."
Akati kuno mumwe murume, "Nditevere."
Asi murume uyu akapindura akati, "Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu."
Jesu akati kwaari, "Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari."
Mumwezve akati, "Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu."
Jesu akapindura akati, "Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari."
O custo do discipulado
Seguir a Jesus exige renúncia. É preciso tomar a cruz diariamente, deixar tudo para trás e amar a Cristo acima de qualquer outro vínculo.
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, "Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
"Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
Petro akati kwaari, "Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!"
Jesu akapindura akati, "Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi. Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga."
Caminhar com Cristo
Quem segue a Jesus não anda em trevas, mas tem a luz da vida. Ele nos convida a crescer nele e a servir como Ele serviu.
Jesu achitaurazve navanhu, akati, "Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu."
Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.
Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake.
"Haana kutadza,
uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make."
Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.
Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.
Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.