O Senhor é o meu pastor
O Salmo 23 é a expressão máxima da confiança em Deus como Pastor. Jesus se declarou o Bom Pastor que conhece suas ovelhas, cuida delas e dá a própria vida por elas.
O Senhor é o meu Pastor
Davi declarou com confiança que o Senhor é seu pastor e nada lhe faltará. Ele nos guia, nos restaura e nos conduz em caminhos de justiça.
Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
Anondivatisa pamafuro manyoro,
anondisesedza pamvura inozorodza,
anoponesa mweya wangu.
Anondifambisa panzira dzokururama
nokuda kwezita rake.
Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu;
ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.
O Bom Pastor
Jesus é o Bom Pastor que conhece suas ovelhas pelo nome. Ele dá a vida por elas, as protege e nenhuma pode ser arrebatada de sua mão.
"Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
"Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.
Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.
Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.
Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.
O cuidado pastoral de Deus
Como pastor terno e forte, Deus carrega os cordeiros nos braços e guia com cuidado as ovelhas que amamentam.
Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba,
uye ruoko rwake runomubatira ushe.
Tarirai, mubayiro wake anawo,
uye zvaanoripira nazvo anazvo.
Anofudza makwai ake somufudzi:
Anounganidza makwayana mumaoko ake
agoatakurira pedyo nomwoyo wake;
zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.