Sonhos
Sonhos aparecem em toda a Bíblia como meio de revelação divina. Deus falou através de sonhos a patriarcas, profetas e servos, mas também alertou contra falsos sonhadores.
Sonhos como revelação divina
Deus usou sonhos para comunicar sua vontade a homens e mulheres ao longo da história bíblica, revelando caminhos e mistérios.
akati kwavari, "Teererai mashoko angu:
"Kana pano muprofita pakati penyu, ndinozviratidza kwaari nezviratidzo,
ndinotaura naye muzviratidzo,
ndinotaura naye muzviroto.
"Uye mushure maizvozvo,
ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,
vatana venyu vacharota hope,
majaya enyu achaona zviratidzo.
Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, "Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu. Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai! Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
" ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari,
‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,
majaya enyu achaona zviratidzo,
vatana venyu vacharota hope.
Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), "Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?"
Dhanieri akapindura akati, "Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:
Sonhos na história da Bíblia
De José no Egito a José pai de Jesus, Deus guiou a história da salvação através de sonhos, protegendo e dirigindo seu povo.
Vakapindura vakati, "Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira."
Ipapo Josefa akati kwavari, "Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu."
Faro akati kuna Josefa, "Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira."
Josefa akapindura Faro akati, "Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda."
Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, "Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene. Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo."
Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: "Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo."
Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni,
takanga tava savanhu vairota.
Sabedoria sobre sonhos
A Bíblia ensina discernimento: nem todo sonho vem de Deus. Devemos entregar nossos planos ao Senhor e confiar na direção dele.
Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita,
ipapo urongwa hwako huchabudirira.
Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu,
asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.
Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo, uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, "Ngatiteverei vamwe vamwari" (vamwari vamusingazivi) "uye ngativanamatei," hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.
"Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’ Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo?
Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema," ndizvo zvinotaura Jehovha. "Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda
ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.
Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.