Publicidade

Superação

Por Bíblia Online

Superar desafios, dificuldades e tentações faz parte da caminhada cristã. A Bíblia nos garante que, em Cristo, somos mais que vencedores em todas as circunstâncias.

Vitória em Cristo

Jesus já venceu o mundo. Nele temos coragem, paz e a certeza de que nenhuma adversidade poderá nos derrotar definitivamente.

"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."

"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."

Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.

Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.

Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.

Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.

Vakamukunda

neropa reGwayana

uye neshoko rokupupura kwavo;

havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya

zvokuti vangatya kufa.

Superando o mal com o bem

O cristão vence o mal não com violência, mas com o bem. O amor, a fé e a perseverança são as armas da superação.

Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.

Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake.

Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu, kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.

Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.

Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.

Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo.

Força e coragem divina

Deus é nosso escudo e fortaleza. Quando o medo tenta nos paralisar, a presença do Senhor nos fortalece e nos encoraja a prosseguir.

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;

munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

Handivimbi nouta hwangu,

munondo wangu haundivigiri kukunda;

asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu,

munonyadzisa vadzivisi vedu.

Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose,

uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera

Haiwa Jehovha, tiponesei;

haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.

Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha.

Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.

Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo."

Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemi kundokurwirai kuvavengi venyu kuti akukundisei."

Muchachengeta murugare

rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba,

nokuti anovimba nemi.

Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.

Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.

Resistindo a tentação

A armadura de Deus nos protege contra as investidas do mal. Resistir ao diabo, vigiar e orar são essenciais para a superação espiritual.

Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire. Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.

Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.

"Mukutsamwa kwenyu, musatadza." Musarega zuva richivira muchakangotsamwa, uye musapa dhiabhori mukana.

Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.

Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.

Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, "Mwari ari kundiedza." Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.

Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.

Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa.

Perseverança até o fim

A corrida da fé exige perseverança. Devemos lançar fora todo peso e olhar para Jesus, o autor e consumador da nossa fé.

Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa.

Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.

Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.

Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.

Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya.

Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?

Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.

Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa.

Descanso e renovação

Jesus convida os cansados e sobrecarregados a descansar nele. Sua graça é suficiente para nos renovar em meio às tribulações.

"Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.

Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati:

"Handingatongokusiyei;

handingatongokurasei."

Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari."

Akasvikovabvunza achiti, "Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa."

Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, "Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa."

Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.

Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba."

Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!

Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!

Tarira, mambo wako anouya kwauri,

iye akarurama uye ano ruponeso,

anozvininipisa akatasva mbongoro,

iyo mhuru, mwana wembongoro.

Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori.

Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,

nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.

Ndinokunyorerai, madzibaba,

nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.

Ndinokunyorerai, imi majaya,

nokuti makakunda iye akaipa.

Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa,

nokuti makaziva Baba.

Ndinokunyorerai, madzibaba,

nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.

Ndinokunyorerai, imi majaya,

nokuti mune simba,

shoko raMwari rinogara mamuri,

uye makakunda iye akaipa.

Musada Nyika

Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.

Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndingatora here mitezo yaKristu ndigoiita mitezo youpombwe? Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti uyo anosangana nechifeve naiye ava muviri mumwe naye? Nokuti zvinonzi, "Vaviri ava vachava nyama imwe." Asi uyo akasanganiswa naShe ava mumwe naye mumweya.

Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu; makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.

Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-