Publicidade

Temor do Senhor

Por Bíblia Online

O temor do Senhor é o princípio da sabedoria. Não se trata de medo, mas de reverência profunda, respeito e admiração diante da santidade e grandeza de Deus.

O princípio da sabedoria

A Escritura afirma que temer ao Senhor é o primeiro passo para a verdadeira sabedoria. Quem teme a Deus discerne o certo e aprende a viver com prudência.

Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;

vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.

Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

"Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri,

uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri,

uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

Zvino akati kumunhu,

‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri,

uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ "

Kutya Jehovha kwakanaka,

kunogara nokusingaperi.

Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi

uye zvose zvakarurama.

Zvinokosha kupfuura goridhe,

kupfuura goridhe rakanatswa;

zvinotapira kupfuura uchi,

kupinda uchi hwabva muzinga.

Muranda wenyu anoyambirwa nazvo;

pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

Bênçãos do temor

Quem teme ao Senhor encontra vida longa, provisão e proteção. O temor de Deus nos guarda do mal e nos conduz à humildade.

Kuzvininipisa nokutya Jehovha

kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu,

asi makore owakaipa achatapudzwa.

Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu,

kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.

Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa,

kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.

Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha,

asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.

Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;

akaropafadzwa munhu anovanda maari.

Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,

nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

Vivendo no temor do Senhor

Temer ao Senhor é obedecer seus mandamentos, andar em seus caminhos e amá-lo de todo coração. Essa reverência se expressa em justiça e integridade.

NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.

Chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake uye umukudze.

Shumirai Jehovha nokutya,

uye mufare nokudedera.

Uyai, vana vangu, nditeererei;

ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

Ani naani wenyu anoda upenyu,

uye uchida kuona mazuva akawanda,

dzora rurimi rwako pane zvakaipa

nemiromo yako pakureva nhema.

Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana kugamuchira fufuro."

" ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.

Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

" ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo uye asisagoni kuzviriritira pakati penyu, mubatsirei sezvamunoita mutorwa kana mueni kuti arambe achigara pakati penyu. Musatora mhindu yemhando ipi zvayo kubva kwaari, asi ityai Mwari wenyu kuitira kuti hama yenyu irambe ichigara pakati penyu.

"Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-