Publicidade

Todo poderoso

Por Bíblia Online

Deus é Todo-Poderoso — onipotente, onisciente e onipresente. Nada está além do seu alcance, nada escapa ao seu conhecimento e nada foge ao seu controle soberano.

O poder soberano de Deus

O Senhor reina sobre todas as coisas. Desde a criação do universo até os detalhes da nossa vida, seu poder se manifesta de forma absoluta e inesgotável.

"Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri.

"Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here?

Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa;

ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.

Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha,

kukudzwa noushe nokubwinya,

nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu.

Umambo ndohwenyu,

imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.

Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri;

ndimi mutongi wezvinhu zvose.

Mumaoko enyu mune simba noushe

kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.

Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo.

Nada é impossível para Deus

Para Deus não há impossíveis. O que parece inalcançável aos nossos olhos é plenamente realizável nas mãos do Todo-Poderoso.

Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari."

Akati, "Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu."

Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;

uye anoninipisa uye anosimudzira.

Anozarura zvakadzika nezvakavanzika;

anoziva zviri murima,

uye chiedza chinogara maari.

O Rei eterno

Deus é o Rei eterno, imortal, invisível, único Deus sábio. Seu trono é desde a eternidade e seu reino não terá fim.

"Ndini Arifa naOmega," ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, "iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose."

Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri.

Pisarema raDhavhidhi.

Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi,

nyika, navose vanogaramo;

Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose;

penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,

kuti tiponeswe.

Refúgio no Todo-Poderoso

O poder de Deus é nosso abrigo. Em tempos de tempestade, podemos descansar na certeza de que Ele sustenta e protege os seus.

Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro

achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.

Ndichati pamusoro paJehovha, "Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,

Mwari wangu, wandinovimba naye."

Shoko risati rava parurimi rwangu,

tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

Nhumbi dzokurwa nadzo dzaMwari

Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.

Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.

Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-