Publicidade

Trabalho

Por Bíblia Online

O trabalho é uma ordenança divina desde a criação. Deus colocou o homem no jardim para cultivar e guardar, revelando que o labor é parte do propósito humano e um meio de glorificá-lo.

Trabalho como vocação divina

Deus nos criou para trabalhar com propósito. O trabalho é expressão da imagem divina em nós e deve ser feito como para o Senhor.

Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,

Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu, sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.

Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.

Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu, nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.

Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.

Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

Itai zvinhu zvose murudo.

Diligência e recompensa

A mão diligente enriquece, mas a preguiça traz pobreza. A Bíblia valoriza o esforço honesto, dedicado e perseverante em toda obra.

Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo,

asi maoko anoshingaira anopfumisa.

Maoko anoshingaira achatonga,

asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.

Maoko anoshingaira achatonga,

asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.

Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro,

asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.

Enda kusvosve, iwe simbe;

cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!

Harina mutungamiri,

mutariri kana mutongi,

asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha,

uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.

Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe?

Uchamuka riniko kubva pahope dzako?

Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana,

kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.

Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo,

uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.

Uyo ano usimbe pakubata kwake

ihama youyo anoparadza.

Usafarira kurara kana kuti uchava murombo;

svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.

Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera,

asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi,

uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

Planejamento e excelência

A excelência no trabalho honra a Deus. Devemos nos dedicar com competência, entregar nossos planos ao Senhor e buscar o melhor em cada tarefa.

Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita,

ipapo urongwa hwako huchabudirira.

Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita,

ipapo urongwa hwako huchabudirira.

Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here?

Achashanda pamberi pamadzimambo;

haangashandiri vanhu vasina maturo.

Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.

Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.

Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri.

Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika

O contentamento no trabalho

Deus nos dá a capacidade de desfrutar do nosso trabalho. Poder comer, beber e encontrar satisfação em nosso labor é um dom divino.

Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu. Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.

Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake.

Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.

Vaviri vari nani pano mumwe chete,

nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:

Kwaiva nomunhu aigara ari oga;

akanga asina mwanakomana, kana mununʼuna.

Kushanda kwake kwakanga kusina magumo,

kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake.

Akabvunza akati, "Ndinotambudzikira aniko,

uye sei ndichizvinyima mafaro?"

Naizvozviwo hazvina maturo,

basa rokutambura!

Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

A responsabilidade cristã

O cristão deve trabalhar com suas próprias mãos, viver dignamente e ser exemplo de dedicação. Quem não trabalha, não coma.

Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: "Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya."

Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira.

Shingairirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai, kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu.

Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.

Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka.

Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari; nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.

Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;

tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,

simbisai basa ramaoko edu.

Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?

Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?

Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.

Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.

Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-