Vaso
A metáfora do vaso é uma das mais belas da Bíblia. Assim como o oleiro molda o barro, Deus nos forma segundo seus propósitos, fazendo de nós vasos úteis para sua glória.
Nas mãos do oleiro
Deus é o Oleiro e nós somos o barro. Ele tem autoridade e sabedoria para nos moldar conforme sua vontade perfeita, e não devemos questionar sua obra.
Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu.
Isu tiri ivhu, imi muri muumbi;
isu tose tiri basa ramaoko enyu.
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, "Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko." Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, "Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?" ndizvo zvinotaura Jehovha. "Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri.
Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? "Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ " Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?
"Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake,
iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu.
Ko, ivhu ringati kumuumbi,
‘Uri kugadzirei?’
Ko, basa rako rinoti here,
‘Uyu haana maoko?’
Munoshandura mamiriro ezvinhu,
sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu!
Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba,
"Iye haana kundiita?"
Ko, hari ingati kumuumbi,
"Iye haana chaanoziva?"
Vasos para honra
O cristão é chamado a ser um vaso de honra, purificado e preparado para toda boa obra. Nosso valor está em quem nos formou e no que carregamos.
Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri.
Haiwa vanakomana vanokosha veZioni,
kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe,
zvino voonekwa sehari dzevhu,
iro basa ramaoko omuumbi wehari!
Moldados pela graça
Mesmo quando nos sentimos frágeis e imperfeitos, o poder de Deus se aperfeiçoa em nossa fraqueza. Ele nos restaura e nos renova continuamente.
"Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira.
Zvino modzoka kuzondiparadza here?
Rangarirai kuti makandiumba sevhu.
Zvino mondidzoserazve kuvhu here?
Sezvinopenya zvakanamirwa kunze kwomudziyo wevhu,
ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.
Chemai uye muungudze, imi vafudzi;
umburukai muguruva, imi vatungamiri veboka.
Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika;
muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.