Verdade
A verdade é um dos atributos centrais de Deus e um pilar da vida cristã. Jesus se declarou o caminho, a verdade e a vida. Viver na verdade é viver em liberdade e integridade.
Deus é a fonte da verdade
O Senhor é fiel e verdadeiro em todas as suas palavras. Sua Palavra é a verdade absoluta que ilumina nosso caminho e nos sustenta.
Jesu akapindura akati, "Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi;
iye akatendeka pane zvose zvaanoita.
"Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi;
iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari.
Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.
O Espírito da verdade
Jesus prometeu enviar o Espírito Santo, o Espírito da verdade, que nos guia, ensina e nos faz lembrar de tudo o que Cristo disse.
Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
"Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi."
A verdade liberta
Jesus prometeu que conhecer a verdade nos torna livres. A mentira aprisiona, mas a verdade de Deus nos conduz à plenitude.
Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, "Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai."
Ndakasarudza nzira yechokwadi;
ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.
nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa,
nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu,
uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
Vivendo e falando a verdade
Somos chamados a falar a verdade em amor e a rejeitar toda forma de engano. A integridade nas palavras é marca do cristão.
Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.
Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
Iye anofamba asina chaanopomerwa uye
anoita zvakarurama,
anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
uye asina makuhwa parurimi rwake,
asingaitiri wokwake zvakaipa
uye asingatuki waagere naye,
dzora rurimi rwako pane zvakaipa
nemiromo yako pakureva nhema.
Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira,
asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete.
Bvisa zvinotsausa pamuromo wako;
kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. "Hongu" yenyu ngaive hongu, uye "Kwete" yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.
Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi.
Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.
Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.