Vida nova
Em Cristo, toda pessoa é transformada em uma nova criação. O velho passa e tudo se faz novo. A vida nova é o resultado da obra redentora de Jesus em nosso coração.
Morte e ressurreição com Cristo
O batismo simboliza nossa morte para o pecado e ressurreição para uma nova vida. Fomos sepultados com Cristo e ressuscitamos com Ele.
Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.
Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi, nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi.
Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu.
Nova criação
Quando aceitamos Jesus, nascemos de novo. A velha natureza dá lugar a uma identidade renovada pelo Espírito Santo.
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
Despir o velho, vestir o novo
A vida nova se manifesta em abandonar os velhos hábitos e revestir-se do novo homem, criado segundo a vontade de Deus.
Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.
Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.
Renovação interior
Deus promete dar um coração novo e um espírito novo. A transformação nasce do arrependimento e da purificação divina.
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari,
uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Regai kundirasa pamberi penyu
kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu,
uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.
Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu. Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu. Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu uye ndichakuitai kuti mutevere mitemo yangu mugochenjerera kuchengeta mirayiro yangu.
Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa. Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.