Publicidade

Vida

Por Bíblia Online

A vida é um dom precioso de Deus. Desde a concepção até a eternidade, as Escrituras revelam o propósito, o valor e a plenitude da vida que o Senhor nos oferece.

Deus, o autor da vida

O Senhor é quem dá a vida e a sustenta. Cada ser humano foi formado por suas mãos com propósito e intenção divina.

Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;

makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;

mabasa enyu anoshamisa,

ndinonyatsozviziva kwazvo.

Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,

pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.

Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

meso enyu akaona muviri usati waumbwa.

Mazuva ose andakarongerwa

akanga akanyorwa mubhuku renyu,

rimwe rawo risati ravapo.

Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu;

muchiedza chenyu tinoona chiedza.

Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose;

ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

A vida em Cristo

Jesus é o caminho, a verdade e a vida. Nele encontramos sentido, plenitude e a promessa de vida abundante e eterna.

Jesu akapindura akati, "Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.

Jesu akati kwaari, "Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?"

Ipapo Jesu akataura achiti, "Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make."

Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

Vivendo com sabedoria

A Bíblia nos orienta a viver com sabedoria, aproveitando bem o tempo, guardando o coração e buscando a vontade de Deus para cada dia.

Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,

kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura,

ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.

Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako,

nokuti ndicho chitubu choupenyu.

Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako,

nokuti ndicho chitubu choupenyu.

Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake;

uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.

Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake,

asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.

Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu,

asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu,

kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.

Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu,

nokubudirira norukudzo.

Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

A vida no dia a dia

Cada dia é uma oportunidade de glorificar a Deus. A Escritura nos chama a viver com propósito, confiança e fé prática.

Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha,

ndidzidzisei nzira dzenyu;

Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,

mazuva ose oupenyu hwangu,

uye ndichagara mumba maJehovha

nokusingaperi.

Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo,

asi Mwari isimba romwoyo wangu

nomugove wangu nokusingaperi.

Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,

iye acharinda upenyu hwako;

Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,

kubva zvino uye nokusingaperi.

Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu,

nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.

Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,

ndicho chandinotsvaka:

kuti ndigare mumba maJehovha

mazuva ose oupenyu hwangu,

kuti nditarire kunaka kwaJehovha

uye ndimutsvake mutemberi yake.

Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere;

usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo,

pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

Handichazokanganwi zvamakatema,

nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

Prioridades e eternidade

Jesus nos lembra que a vida é mais que comida e o corpo mais que roupa. O que importa é buscar o Reino de Deus e viver para a eternidade.

"Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here? Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya?

Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake?

Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, "Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa. Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene."

Ipapo akati kwavari, "Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo."

Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.

Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

Tinorarama nokutenda, kwete nokuona.

Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.

Shingairirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai, kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu.

Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu, sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.

Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.

Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.

Nokuti,

"Uyo anoda upenyu

kuti agoona mazuva akanaka

anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,

nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.

Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;

anofanira kutsvaka rugare agorutevera.

Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.

Rumbidzai Jehovha.

Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,

uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:

Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama ugowanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore.

Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe,

kana makumi masere, kana tiine simba;

kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa,

nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.

"Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu

nokuwanda kwamazuva angu;

ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu;

kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu.

Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake:

anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina;

anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

Ani naani wenyu anoda upenyu,

uye uchida kuona mazuva akawanda,

dzora rurimi rwako pane zvakaipa

nemiromo yako pakureva nhema.

Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka;

inowanikwa noupenyu hwakarurama.

Sezvo mvura ichiratidza chiso,

saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-