Vitória
A vitória do cristão não depende de suas próprias forças, mas do poder de Deus que opera em nós. As Escrituras declaram que somos mais que vencedores por meio daquele que nos amou.
A vitória vem de Deus
O Senhor luta por nós. Quando confiamos nele, nenhuma arma forjada contra nós prosperará e nenhum inimigo prevalecerá.
Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemi kundokurwirai kuvavengi venyu kuti akukundisei."
Jehovha akati kuna Joshua, "Usavatya; ndavaisa mumaoko ako. Hapana kana mumwe wavo achagona kumira pamberi pako."
Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa,
asi kukunda kunobva kuna Jehovha.
Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo,
uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa;
rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu,
nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.
Ndimi Mambo wangu naMwari wangu,
anorayira kukunda kwaJakobho.
Mais que vencedores
Em todas as circunstâncias, a fé nos dá a vitória. O mundo tenta nos derrubar, mas Cristo já venceu o mundo e nos faz triunfar.
nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.
Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?
"Kuripiko kukunda kwako iwe rufu?
Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?"
Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
Força para a batalha
Deus nos reveste com sua armadura espiritual, nos fortalece e nos encoraja. Mesmo que o justo caia sete vezes, ele se levanta.
Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve,
asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.
Tichapiwa kukunda naMwari,
uye achatsika-tsika vavengi vedu.
Chiuru chingawa parutivi rwako,
zviuru gumi kurudyi pako,
asi hazvingaswederi kwauri.
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.