Publicidade

A volta de Jesus

Por Bíblia Online

A volta de Jesus é uma das maiores promessas da Bíblia. Cristo prometeu que retornará em glória, e os cristãos vivem na expectativa desse dia triunfante.

A promessa do retorno

Jesus prometeu aos discípulos que voltaria. Os anjos confirmaram essa promessa na ascensão, e os apóstolos ensinaram que Ele virá com poder.

Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.

Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.

Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari. Vakati kwavari, "Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga."

Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, "Hongu, ndinokurumidza kuuya."

Ameni. Uyai, Ishe Jesu.

"Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.

Os sinais e o momento

Ninguém sabe o dia nem a hora. Jesus alertou sobre falsos sinais e nos chamou à vigilância constante, pois Ele virá como ladrão na noite.

"Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.

"Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.

Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge vachiti, "Rugare norunyararo," kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.

"Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.

Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama, kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika. Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa. Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari.

A glória da segunda vinda

Cristo voltará nas nuvens, com poder e grande glória. Os mortos em Cristo ressuscitarão, e os vivos serão arrebatados para encontrá-lo nos ares.

Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi.

"Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko,

" ‘zuva richasvibiswa,

uye mwedzi hauchazovhenekeri;

nyeredzi dzichawa kudenga,

uye masimba okudenga achadengenyeka.’

"Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya. Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga.

"Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake.

Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo. Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga. Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari. Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina. Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. "Achavatonga netsvimbo yesimbi." Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose. Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa:

mambo wamadzimambo naishe wamadzishe

Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.

Vivendo na expectativa

A certeza do retorno de Cristo nos chama a viver em santidade, aguardando novos céus e nova terra onde habita a justiça.

Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.

Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.

Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.

Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-