Publicidade

1 Coríntios 11

24 uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, "Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira." 25 Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, "Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira." 26 Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.

27 Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe. 28 Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-