Pular para o conteúdo
Publicidade

1 VaKorinde 6

Kukwidzana kumatare edzimhosva pakati pavatendi

1 Kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga here kumukwirira kumatare avasakarurama pano kumukwirira kuvatsvene? 2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here? 3 Ko, hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa? Ko, kuzoti zvinhu zvoupenyu huno! 4 Naizvozvo, kana mukapokana pamusoro pezvinhu zvakadai, gadzai savatongi kunyange vanhu vano kutenda kuduku vari mukereke. 5 Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko, pangashayikwa munhu akachenjera pakati penyu here anogona kutonga mhosva pakati pavatendi?

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também