15 Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare. 16 Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako?
Publicidade