2 Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; 3 musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka. 4 Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.
5 Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti,
"Mwari anodzivisa vanozvikudza
asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa."