Pular para o conteúdo
Publicidade

1 Samueri 1

22 Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, "Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose."

23 Erikana murume wake akati kwaari, "Ita zvaunoona zvakakunakira. Gara pano kusvikira wamurumura; dai Jehovha asimbisa shoko rake bedzi." Naizvozvo mukadzi uyu akagara kumba akarera mwanakomana wake kusvikira amurumura.

24 Mushure mokunge arumurwa, akatora mukomana uyu, ari mudiki sezvaaiva, pamwe chete nehando yamakore matatu neefa1:24 marita angaita 22 youpfu hwakatsetseka nedende rewaini, uye akaenda naye kuimba yaJehovha kuShiro.

Veja também