Pular para o conteúdo
Publicidade

1 Samueri 19

11 Sauro akatuma vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vairinde uye kuti vamuuraye mangwanani. Asi Mikari, mukadzi waDhavhidhi, akamuudza kuti, "Kana ukasatiza noupenyu hwako manheru ano, mangwana uchaurayiwa." 12 Saka Mikari akaburutsa Dhavhidhi napawindo, iye akatiza akapunyuka. 13 Ipapo Mikari akatora chidhori akachiradzika pamubhedha, akachifukidza nejira akaisa mvere dzembudzi kumusoro wacho.

14 Sauro akati atuma vanhu kundobata Dhavhidhi, Mikari akati, "Ari kurwara."

15 Ipapo Sauro akadzorera vanhu kwakare kuti vandoona Dhavhidhi akataura kwavari akati, "Uyai naye kuno kwandiri ari pamubhedha wake kuti ndigomuuraya." 16 Asi varume vakati vapinda, vakaona kuti pakanga pane chidhori pamubhedha, uye kuti pamusoro wacho paiva nemvere dzembudzi.

17 Sauro akati kuna Mikari, "Seiko wakandinyengera kudai uchiendesa muvengi wangu kure kuti apunyuke?"

Mikari akamuudza kuti, "Iye ati kwandiri, Ndirege ndiende hangu. Ndichakuurayireiko iwe?’ "

18 Dhavhidhi akati atiza, apunyuka, akaenda kuna Samueri kuRama akamuudza zvose zvakanga zvaitwa kwaari naSauro. Ipapo iye naSamueri vakaenda kuNayoti vakandogarako.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também