Munyengetero waHana
1 Ipapo Hana akanyengetera achiti:
"Mwoyo wangu unofara muna Jehovha;
muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro.
Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu,
nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
2 "Hakuna mutsvene akaita saJehovha;
hakuna mumwe kunze kwenyu;
hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.
3 "Usaramba uchitaura uchizvikudza
uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,
nokuti Jehovha ndiMwari anoziva,
uye naye mabasa anoyerwa.
4 "Uta hwavarwi hwatyorwa,
asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.
5 Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo,
asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare.
Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe,
asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.
6 "Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa;
anodzikisa kuguva uye anomutsawo.
7 Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;
uye anoninipisa uye anosimudzira.
8 Anosimudza varombo kubva paguruva
uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;
anovagarisa namachinda
uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.
"Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha,
pamusoro padzo akamisa nyika.
9 Acharinda tsoka dzavatsvene vake,
asi vakaipa vachanyaradzwa murima.
"Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
10 Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa.
Achavatinhirira ari kudenga;
Jehovha achatonga magumo enyika.
"Achapa simba kuna mambo wake,
uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake."