1 Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, 2 nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. 3 Vanhu pavanenge vachiti, "Rugare norunyararo," kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.
4 Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. 5 Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.