Publicidade

1 Tessalonicenses 5

4 Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. 5 Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima. 6 Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora. 7 Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku. 8 Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani. 9 Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

Veja também

1 Tessalonicenses
Ver todos os capítulos de 1 Tessalonicenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_12-11-46-