Kuregererwa kwoMutadzi
5 Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda. 6 Kurangwa kwaakaitwa navanhu vazhinji kwakamuringana. 7 Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya. 8 Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari.