Pular para o conteúdo
Publicidade

2 Reis 6

Demo rinopapamadzwa pamusoro pemvura

1 Zvino boka ravaprofita rakati kuna Erisha, "Tarisai, nzvimbo yatinosangana nemi yatiitira diki kwazvo. 2 Ngatiendei kuJorodhani, mumwe nomumwe wedu andotora danda ikoko; tigozvivakira ikoko nzvimbo yokugara."

Iye akati, "Endai."

3 Ipapo mumwe wavo akati, "Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?"

Erisha akati, "Ndinoenda." 4 Naizvozvo akaenda navo. Vakaenda kuJorodhani vakatanga kutema miti. 5 Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, "Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!"

6 Munhu waMwari akati, "Rawira napapi?" Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo. 7 Akati, "Ribudise." Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.

Veja também