16 Muprofita akapindura akati, "Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari."
17 Ipapo Erisha akanyengetera akati, "Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone." Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha.