Bhanabhasi naSauro Vanotumwa
1 Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. 2 Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, "Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira." 3 Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.