14 Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro. 15 Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, "Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu." Akatikumbirisa tikatenda.
Publicidade