Pular para o conteúdo
Publicidade

Mabasa aVapostori 7

44 "Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona. 45 Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi, 46 uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara. 47 Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.

48 "Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:

49 " Denga ndicho chigaro changu choushe

uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.

Ko, muchandivakira imba yakaita sei?

ndizvo zvinotaura Ishe.

Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?

50 Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também