Publicidade

Colossenses 1

12 muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. 13 Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, 14 watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.

Ukuru hwaKristu

15 Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. 16 Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. 17 Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.

Veja também

Publicidade
Colossenses
Ver todos os capítulos de Colossenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-28_14-13-17-