26 Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), "Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?"
27 Dhanieri akapindura akati, "Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho 28 asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi: