Kunamata vamwe vamwari
1 Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo, 2 uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, "Ngatiteverei vamwe vamwari" (vamwari vamusingazivi) "uye ngativanamatei," 3 hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. 4 NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.