Pular para o conteúdo
Publicidade

Dhuteronomi 22

Kukanganiswa kweWaniso

13 Kana munhu akawana mukadzi uye mushure mokuvata naye, akasamufarira, 14 akamunyomba uye akamupa zita rakaipa achiti, "Ndakawana mukadzi uyu, asi mushure mokuva naye, ndakamuwana asiri mhandara," 15 ipapo baba namai vomusikana uyu vanofanira kuuya nechiratidzo chokuti aiva mhandara kuvakuru veguta pasuo. 16 Baba vomusikana uyu vachati kuvakuru, "Ndakapa mwanasikana wangu kuti awanikwe nomurume uyu, asi haana kumufarira. 17 Zvino anomunyomba achiti, Handina kuwana mwanasikana wenyu ari mhandara.Asi hechi chiratidzo choumhandara hwomwanasikana wangu." Ipapo vabereki vake vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta,

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também