Vana naVabereki
1 Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. 2 "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, 3 "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika." 4 Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.